Rwizi Mazowe (kana Rwizi re Mazoe) irwizi rwuri muZimbabwe ne Mazambuko. Rwizi urwu runotangira kumaodzanyemba kwe Harare rwoyerera ruchienda kumaodzanyemba. Mugore ra1920 dhamu reMazowe rakavakwa 40km kubva kuHarare kuti ripe mvura inodiridza Mazowe Citrus Estates.

Rwizi urwu runopfuura nekunze kweguta reGlendale; vagari veguta iri vanowana mvura yavo kubva muDhamu riri parwizi urwu. Kubva apa rukova urwu runoyerera rwananga kumaodzanyembaemabvazuva rwuchinodarika nzira yeBindura-Madziva pahoko ye20km kubva muBindura.

Vagari veShamva vanowana mvura yekunwa kubva muna rwizi Mazowe; apa rwizi rwunoonekwa pamugwagwa weMugodhi we Shamva-Madziwa. Rwizi Mazowe rwunoramba rwananga kumaodzanyembaemabvazuva rwuchinova chikamu chemuganhu weZimbabwe-Mazambuko pedyo neMudzi. Rwave muMazambuko runenge rwave rwizi Ruenha rwuchinodira muna rwizi Zambezi.

Chikotero chaMazowe

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nzizi dzinodira munaMazowe dzinosanganisira: Rwizi Mupfurudzi; Rwizi Kayirezi; Rwizi Nyadire, Rwizi Nyaguwe, Nyamuziwa.


Nzizi dze Zimbabwe

Rwizi rwe BubiRwizi ChiredziRwizi rwe GwayiRwizi rwe HondeRwizi rwe InkankeziRwizi rwe InzizaRwizi rwe InyankuniRwizi rwe Kwe Kwe • Rwizi rwe Rimupopo • Rwizi rwe Luenha • Rwizi ManyameRwizi Mazowe • Rwizi rwe Machavezi • Rwizi Manyame• Rwizi rwe Muchelele • Rwizi rwe Mucheke • Rwizi MunyatiRwizi Mupfure • Rwizi rwe Mushawe • Rwizi rwe Mutirikwe • Rwizi rwe Mwenezi • Rwizi rwe Mwewe • Rwizi rwe Mtetengwe • Rwizi rwe Mzingwane • Rwizi rwe Ncema • Rwizi rwe Ngezi (Masvingo) • Rwizi rwe Ngezi (Midlands) • Rwizi rwe Ngondoma • Rwizi Pungwe • Rwizi rwe Runde • Rwizi Save • Rwizi rwe Sebakwe • Rwizi rwe Sengwa • Rwizi rwe Shangani • Rwizi rwe Shashe • Rwizi rwe Siwaze • Rwizi rwe Tokwane • Rwizi rwe Tokwe • Rwizi rwe Thuli • Rwizi rwe Umchabezi • Rwizi Zambezi


Rwizi dzeAfrica
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi