Statasi yekuchengetwa
Vulnerable (IUCN 3.1)
Hupango mu sainzi
Muvuso: Umhuka (Animalia)
Faramu: Kodhata (Chordata)
Mukasu: Dzinoyamwisa (Mammalia)
Raya: Hukari (Carnivora)
Chiraya: (Feliformia)
Mhuri (Felidae)
Dzasimhuri: (Pantherinae)
Mbari: (Panthera)
Rudzi: P. leo
Zita piri (binomial name)
Panthera leo(Linnaeus, 1758)
dzasirudzi (subspecies)
 : P. l. leo : P. l. melanochaita : P. l. fossilis : P. l. sinhaleyus

Shumba (ku Chingezi: lion) kana Mhondoro imhuka iri pamupanda wekatsi inowanikwa kumatunhu ari kuAfurika neEzhiya. Shumba inoverengwa seimwe yemhuka ine huwandu huri huderera kunyanya munzvimbo dziri kuMadokero eAfurika. Kutambanuka kuri kuita nzvimbo dzinogarwa nevanhu ndicho chimwe chikonzero chiri kuita huwandu hweshumba huderere. Varimi vane mhuka dzavo havafare kana zvipfuyo izvi zvichidyiwa neshumba.

Magariro

Shumba dzinorarama makore gumi kusvika gumi nemana (10-14) kana dziri musango. Kana dzakatenherwa dzinorarama makore akati rebeyi anganosvika makumi maviri (20). Shumba hono hadzirarame makore anopfuura gumi kana dziri musango nokuda kwekurwa kwadzinogaro ita dzichitanda nzvari.

Shumba dzinowanikwa mumakura eSavanna asina miti yakawanda, asi dzimwe nguva dzinopinda murimuka mumasango makuru. Mhuka idzi dzinogara mumatanga anenge aine nzvari dzine ukama, vana veshumba, nehono shomane. Vanotarira shumba vanoti hadzinyanye kuvhima vanhu.

Kuvhima

Zvinotora danga reshumba kuti dziwise mukono wenyati; kana nepo shumba dzinozowisa mukono uwu dzatombotambura nokutungwa dzichidzinganiswa nenyati. Mapere zvakare anoita chivindi chokudzinga shumba kuva panyama zvikurusei kana mapere auya ari danga rakakura. Bere kamhuka kadiki asi kana achinge awanda anorura zvokushayisa shumba mufaro panyama.

Tsika

Shumba imhuka inotyiwa nevanhu vazhinji; matehwe eshumba aipiwa kuvatongi vakuru kuratidza kuremekedzwa nehukuru hwavo. Munzvimbo zhinji mune zvifananidzo zveshumba zvinoratidza kuremekedzwa kwemhuka iyi.

MuZimbabwe kuState House kunogara President Emmerson Dambudzo Mnangagwa kune zvifananidzo zveshumba zviviri. Pamatumba akavigirwa madzimambo ekuIjipita pane chifananidzo chine musoro wemunhu nemuviri weshumba chinonzi Sphinx. Chiumbwa ichi chiri pedyo nedumba riri paGiza, Ijipita. Muguta guru reHarare panze peHotera ye Meikles pane zvifananidzo zveshumba zvakare.

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mitauro yeBantu

Ruambanyeredzi

Shumba muRuambanyeredzi (astrology) kana astororoji rinozivikanwa seRiyo (Leo). Shumba muruambanyeredzi chiratidzo chechishanu cheZodhiyaki, pamberi pechiratidzo chinonzi Mhandara (Virgo) uye mushure mechiratidzo chinonzi Gakanje (Cancer).

Nyeredzi yeShumba