Rusape iguta diki riri muZimbabwe. Rinowanikwa mudunhu raMakoni muManicaland nechekumabvazuva eZimbabwe. Rinowanikwa 170 km kubva muHarare guta guru reZimbabwe mumugwagwa A-3 unobatanidza Harare neMutare. Rusape iri 1,410 m pamusoro penyanza.
Rusape iguta diki harisati rasvika pakuve guta. Vanhu vazhinji vanogara muVengere iri township huru maRusape. Matownship mamwe akavakwa kubva pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere, anoti Mabvazuva ne Tsanzaguru.