Kuunzika (to concentrate) riri kushanda pane kuturikira chinonzi concentrating kuEnglish - izvi zvinoreva kuungira muchegwa wakakosha uchisarudzwa kubva kune muchegwa wemambara. Muchegwa wakakosha ndiwo matombo akatakura simbi; aya matombo anochengetwa achipinda mune dzimwe shandura dzinowedzera chiunziko chesimbi. Chinangwa chekuunzika ndechekuti pakupedzisira pave nemuunzikwa wesimbi wakapfuma, simbi ichiwanda kudzamara yasvika pakunatswa. Muunzikwa ishoko riri kuturikira chinonzi concentrate. Kambani yeUnki iri kuShurugwi ine mugodhi unotengesa muunzikwa weplatinamu - platinum concentrate.


Muchegwa wemanyara (gangue mineral) zvinoreva muchegwa uri muchitofu unoraswa nokuti hauna mari. Mambara ndiwo matombo asiri kudiwa 5asina kukosha; aya matombo anoraswa kumotoro achingobva pasi pemugodhi.

Kurerutsa Mutauro

Mukutaura kwemazuva ose, kuunzika (accumulate, gather, heap together) zvinoreva kuunganidza semhurwi panzvimbo imwe.

Mitauro yeBantu