Shoko rokuti huchenjeri (Intelligence) rino reva kugona ku shandisa pfungwa. Asi shoko iri rino kwanisa ku patsanurwa nokuti vanhu tonoonekwa tichigona kushandisa pfungwa nenzira dzakasiyana uye panguva dzaksiyana. Mumwe ane kuchenjera kwekugona muchikoro asi asina kuchenjera kwekugona kutaura nekugarisana nevanhu.
Mhando Dzacho
Mamwe mashoko anotaura mhando dzeuchenjeri ndeanoti: ungwaru; kupangama; unhari.
- Chisepe kana kuchenjera (Able, clever, expert person, be ingeneous) apa kureva nyanzvi.
- Chikwapuro (expert) nyanzvi.
- Chirapanuro (Wise person able to solve problems) apa kureva munhu anogona kurapanura mhaka dzinonetsa.
- Chingwarire kana chingwarira (Cautious person) apa kureva munhu mungwaru.
- Njere (Wisdom, cleverness).
- Unhari (oratory skills) zvinoreva munhu akachenjera pakutaura anokwanisa kubata nokushandura mafungiro evanhu nokuda kwemashoko nemutauriro wake.
- Mhangami (Clever, watchful, practical person) apa kureva munhu akangwarira pakucherechedza nokuziva zvokuita. Uyo anonzi akapangama.
- Ngwazi (sage; a profoundly wise person; a person famed for wisdom)
- Sharara, chizazamburo, mbarayara (clever man) murume akachenjera.
- Gorokodzi, magorokodzi, gorokotera (Expert. Knowledgeable person. Person of vast knowledge) apa kureva chikwapuro kana nyanzvi.
- Chiti (know how) kureva uyo anogona kuita basa racho.
- Kuchenjedza (put on guard) - Wakandichenjedza nokusandipa mari kwawakaita nguva yakapera.
- Kungwara (to be intelligent; wise; cautious; careful).
- Kungwarira (to beware of; be clever at).
- Kungwadza (put on guard; warn; make cautious).
- Akasvinuka (smart).
- Rutondero (memory; common sense; thoughtfulness).
- Mbaravara, mbarevare kana nyanzvi (Clever person) apa kureva munhu akachenjera. Imbaravara yomukomana: he is an intelligent boy.