Dunhu reManicaland idunhu munyika yeZimbabwe.
Dunhu reManicaland rine nharaunda ye36,459 km2 nehugari hwemamirioni 1.57, sokubvira 2004.[1][2] Guta reMutare ndiro guta guru redunhu.
Dunhu rakapoteredzwa nedunhu reMashonaland East kumaodzanyemba, nyika yeMozambique kumabvazuva, dunhu reMasvingo nedunhu reMidlands kumadokero. Guta guru redunhu, Mutare (hugari:184,205)[3], rinova iro 265km kubva kuHarare, inova guta guru yenyika yeZimbabwe neguta rakakurisisa munyika iyoyo, netara.[4]
Manicaland yakagovaniswa kuita zvikwata zvinomwe:
Vanhu veku Manicaland vanotaura chiShona asi zvikwata zvakasiyana siyana zvinoitawo mitauro-pazasi (sub-dialect) wawo wega. Somuenzaniso, chikwata Mutasa chinoshandisa mutauro pazasi wechiManyika. Kuchikwata Makoni, vanhu vanoshandisa mutauro-pazasi unonzi Maungwe. vanhu vazhinji vanotevera zvinamato zvechivanhu asi vanoteverawo ChiKristu. Vazhinji maKristu vanova vatendi ve Kereke yeMethodist, vamwe veKereke yeEngland (kereke Anglican) asi vamwewo maRoma. Vamwewo vanopinda makereke echipostori.
Kazhinji muManicaland munova nechikoro mukati metaramunyongo ye5km. Kune zvikoro zvakawanda zvepuraimari nesekondari zvinowanikwa mudunhu iri. Govaniso yezvikoro inoratidzwa mutafura iri pazasi.
Chikwata | Puraimari | Sekondari |
---|---|---|
Buhera | 140 | 55 |
Chimanimani | 68 | 24 |
Chipinge | 125 | 40 |
Makoni | 170 | 60 |
Mutare | 172 | 67 |
Mutasa | 72 | 27 |
Nyanga | 75 | 25 |
Sanganiso | 822 | 298 |