Chironda kana ronda (wound, injury) zvinoreva panhu pakakuvara pamuviri wemunhu kana mhuka, zvikurusei pakavhurika ganda kana pakabuda ropa.
- Dunda, dundwirwa (bruise) zvichireva ronda rekukuzvuka ganda.
- Kudunduvira (to form blood blister) zvichireva kuungana kweropa panyama yakuvara zvekudzvanyidzirwa. Ropa rakadunduvira pamunwe wanga wadzvanyiwa nedanda. Mhando yechironda ichi inonzi nhuwira, mbundurira kana mbundishira kana mbundishire
- Kunyeka, kunyenga (of a sore - to spread or get worse) zvinoreva kuti chironda chinenge chawedzera kushata, kungava kukura, kuita hurwa kana kuwora.
- Muzvere achigere kuvhakacha nokuti ronda rake harisati rapora kubva zvaakasungunuka.
- Kutova (to poultice, to apply wet heat by a compress) zvinoreva kushandisa jira rakanyiwa mumvura inotonhora uchidzvanya naro pane ronda, zvikurusei pakazvimba.
- Kuteta (to be nervous, to shrink from) zvinoreva kuzeza chinhu chingava chinorwadza kuita kana chausinganzwe kwazvo pachinoitwa.