Shangu (shoe in English) chpfeko chinopfekwa kutsoka chichivhriridza pasi nepamusoro petsoka. Shangu zhinji dzinogadzirwa nedehwe asi kune shangu dzejira uye dzeplastic.

Mukutaura kwemazuva ose tinofananidza shangu nebhutsu asi zvipfeko izvi zviviri zvakasiyana. Bhutsu ishangu ine chipika nemativi anovhara chikamu chezasi chemupimbira uye inonyanya kupfekwa kumabasa muhushangazhi. Dzimwe bhutsu dzinogadzirwa dzine simbi mberi inodzivirira kukuvara kwezvigunwe kana zvikadonherwa nezvinorema..

Tsika

Vamwe vanoti shangu dzemunhu ndidzo dzinotaura kuti munhuyi maererano nehupfumi hwepano panyika. Saka kana vachida kuona kuti munhu mupfumi zvakadii vanotarira shangu dzaakapfeka.

Tsumo

Mitauro yeBantu