Nyoka imhuka yesango yakareba isina makumbo inofamba ichi zvongonyoka. Dzimwe nyoka dzine uhuturu huno kwanisa kuuraya munhu uye dzimwe dzaka fanana neshato hadzina kana nehuturu. Vanhu vazhinji vanouraya nyoka kana vakaiona.

Nyoka dzinowanikwa muAfrica dzinosanganisira shato, chiva, mhungu,Nyaminyami rovambira, nyamafingu,bonga-musakwani, nyarufuru, kangamiti kana kuti karukuni, mhakure,ndara, tsvuku-kuviri, chimanzi, mhakure, rukukutwe, svoti, maswere, binga, hangara, ndinga nedzimwewo.

Nyoka dzinobvisa ganda radzo rekunze pamwaka yakasiyana - ganda iri rinenge rabviswa rinonzi chibvunuro, bvunurwa, vhunurwa, guvurwa kana guurwa - "slough in English". Pachinyorwa chino chidzidzo chakanangana neruzivo rwenyoka chinonzi Chironzo Chenyoka kana Ronzanyoka.

Tsumo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mazita emhuri

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chekuita nenyoka. Mamwe ndiwo anoti: Nyoka, Mutimbanyoka zvichingodaro.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]