Pachinyorwa chino paunganidzwa mashoko anotaura kuzvara.
- Kuzvara kupona kana kubara (to bear children, to beget) iri rinotaura chiitiko chokuwanda kwemhuri ichizvarwa. Vamwe kuChiKaranga vanoti kuchira??
- Kubarisa, kuberekesa kana kubaritsa (1. Be prolific - kururudza; 2 Be able to reproduce e.g. bull).
- Kuponiwa kana kuzvarwa (to be born; nativity).
- Kusununguka iri shoko rinotaura kubuda kwemwana uye kurerukirwa kwemudzimai azvara.
- Kubereka iri shoko rinotaura chiitiko chekubva pakunamba nhumbu kusvika pakubuda kwemwana.
- Kusurumuka (1. give birth,2. child birth, 3. bear) zvinotaura kuzvara - apa kurevera nenzira yokutakura pamuviri sezvinoitwa nevakadzi - gestation period kuEnglish.
- Kusurumutsa, kuchinga kana kugamuchira (act as midwife) apa kureva kuchinga mwana sanyamukuta.
- Kupombonoka (give birth) iri shoko rinotaura kurerukirwa kwemunhukadzi kana mwana azvarwa abuda.
- Kubaritsa (to cause or produce sparks, to be prolific).
- Kurongera zvinotaurwa pakuzvarwa kwemapatya.
- Kururudza; Kurudzanisa, kubarata (bear much of children or fruits; be prolific) mazwi anotaura kubereka vana vazhinji. Shoko iri rinoshandiswawo pakubereka michero yakawanda kana zvimwewo zvibereko.
- Kutumbura ndiko kuzvara, nyakutumbura ndivo amai nyakubereka.
- Kumonyongwa (Suffer pains of child birth) kana kupfumbwa zvinotaurwa pamarwadzo ekuzvara mwana.
- Ngomwa (Barren woman). Zvino Sarai waiva ngomwa; waiva asina mwana Genesis 11:30.
Shoko
Jeremiah 30 vhesi 6 Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi?