MaZulu vanoti zwa (7. Live, be alive, have life) kureva kunzwa zvakanaka. Mamwe mazwi: usezwa (He is still alive) kureva achiri kunzwa.
MaZulu vanoti zwa (8. Be sound, in good condition) kureva kunzwa zvakanaka. Mamwe mazwi: Leli-tafula lisezwa (This table is still in sound condition). ) kureva tafura iyi ichiri kunzwa.
MaZulu vanoti ukuzizwa (9. to feel self-important) kureva kuzvinzwa.
VaRwanda vanoti kumva (hear) kureva kunzwa. VaKongo vanoti kúwa (v. to sense, to perceive, to listen; to understand) kureva kunzwa.
VaMambwe vanoti kuvwa (to hear, to listen to, pay attention to) vachireva kunzwa. Mamwe mazwi: kuvwana zvichireva kunzwana.