Muchidzidzo chePimanyika, denderedzwa (circle kuChirungu) chiumbwa chine munyonya wakavharika panzvimbo dzose uye munyonga une nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose zvichibva pakati (centre) redenderedzwa racho. Nhambwe kubva pakati kusvika nemuganhu wedenderedzwa inodanwa kunzi taramunyongo, (radius kuChirungu).

Nhambwe yemuganhu wedenderedzwa

Muganhu we denderedzwa une nhambwe inopiwa netsazaniso inoti

Pimamuganhu, P = 2πR = πD

Apa π igovano yePimamuganhu neDiameter yeDenderedzwa, R ndiyo taramunyongo yedenderedzwa, D ndiyo Diamater yedenderedzwa. Govano inonzi π, inoda kuyenzana na (22/7) kana kuti 3.14159 nekumwe kunyora.

Nharaunda yeDenderedzwa

Nharaunda rwuri mukati medenderedzwa runowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = πR2 = (πD4)/4

Mamwe Mazwi

Mitauro yeAfrika